Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaTsvangirai neaVaMugabe Otatsurirana Nyaya yeSarudzo


VaTsvangirai naVaMugabe
Mutongi wedare repamusoro soro, VaGodfrey Chidyausiku, vanoti vachanzwa nyaya yakakwidzwa kudare nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, yekuramba kutambira zvakabuda musarudzo nemusi weMugovera.

VaTsvangirai vanoda kuti sarudzo idzi dzidzokororwe mukati memwedzi miviri, kana kuti mazuva makumi matanhatu.

Imwe nyaya yakakwidzwa naVaTsvangirai kumatare vachiti vanoda humbowo hwemapepa akashandiswa pasarudzo kubva kuZimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kunzwikwa nedare repamusoro richishanda sedare resarudzo riri pasi pemutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu.

VaBhunu vanoti vachazotura mutongo wavo mumazuva ravasina kutara. Asi izvi zvinonzi zvave kutemesa magweta aVaTsvangirai musoro sezvo vari kuda humbowo hweZEC uhu munyaya yavo iri mudare repamusoro soro.

Magweta emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ari kuramba kuti VaTsvangirai vapihwe humbowo uhu kana kutiwo dare ritombonzwa chikumbiro chavo vachiti VaMugabe vakakunda zviri pachena.

Kunetsana panyaya iyi kwapa kuti VaMugabe vambomira kutoreswa mhiko semutungamiri wenyika. Sezvo nyaya iyi yakaendeswa kumatare musi wa 9 Nyamavhuvhu iri kutarisirwa kuti inge yapera musi wa 23 Nyamavhuvhu sezvinodiwa nebumbiro remitemo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muNational Constitutional Assembly, VaBlessing Vava, vanoti kuenda kumatare kupedza nguva.

Asi mumwe wevari kumirira VaTsvangirai munyaya dzesarudzo, VaObert Gutu, vanoti zvakakosha kuenda kumatare sezvo zvichibatsira kuburitsa pachena kubirirwa kwakaitwa sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG