Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vomirira Kuona Mabatirwo Achaitwa Zimbabwe neSADC kuMalawi


sadc
sadc
Sangano reSADC rinoti harisi kuzozeya zvakadzama nyaya yesarudzo dzemuZimbabwe dzoita gakava kumusangano wayo wepagore weSADC Summit uri kuitwa kuLilongwe, Malawi kutanga neMugovera.

Mukuru webazi rinoona nezvematongerwo enyika pamwe nekuchengetedzwa kwedunhu, kana kuti SADC Organ on Politics and Defence, VaTanki Mothae, vanoti nyaya yeZimbabwe haisi mugango asi vachangobata bata nyaya yacho pakutaura nezvemamiriro akaita nyaya dzematongerwo enyika muSADC, apo pachataurwawo zviri kuitika kuMadagascar ne Democratic Republic of Congo.

Nyika idzi dzichaurwa nezvadzo apo sachigaro webazi raVaMothae, vachasvitsa gwaro remamiriro akaita zvinhu kumusangano uyu.

VaMothae vanoti SADC hayo yakafara nemafambiro akaita sarudzo dzemuZimbabwe zvichienzaniswa nedza2008 dzakaita mhirizhonga yakasiya vanhu vakawanda vafa.

Asi danho reSADC iri riri kushorwa zvakanyanya nenyika dzekumawirira pamwe nemasangano akazvimirira oga achiti nyaya iyi inofanirwa kunyatsozeyiwa zvakakwana.

Masangano ekuchamhembe kweAfrica makumi matatu akabuda nechisungo chekuti atumire kwaro rinokomekedza SADC kuti izeye zvakadzama gakava remuZimbabwe achiti sarudzo hadzina kufamba zvakanaka.

Masangano aya anosanganisira Zimbabwe Election Support Network, Zimbabwe Lawyers for Human Rights pamwe neCrisis in Zimbabwe Coalition.

Chipangamazano musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, VaTrevour Maisiri, vanoti SADC inogona kunge yakamirira gwaro revaongorori vayo vayakatumira kuZimbabwe iro risati rabuda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG