Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi dziri kuyambira kuti zvinhu zvinogona kuita manyama amire nerongo kana Zanu-PF ikawana zvikamu zvinoipa masimba ekuvandudza bumbiro idzva.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo raitakura vanhu nemabhazi mune dzimwe nzvimbo.
Sangano reZimbabwe Election Support Network rinoti kunyange hazvo munyika mange muine runyarararo kune dzimwe nzvimbo dzange dziine mutauro wakanyanya.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti vari kukunda musarudzo zvine mutsindo.
VaDabengwa naVaNcube vakazivisa masvondo apfuura kuti mapato avo ainge oita mushandirapamwe musarudzo.
Mutungamiri weZimbabwe Democratic Party, VaKisinoti Mukwazhe, vanoti vari kutarisira kukunda zvine mutsindo musarudzo dzemusi wa31 Chikunguru.
VaBiti vanoti vachiri vakangomirira mhinduro kubva kumutungamiri wenyika nezvemari yesarudzo yavanoti yasara mamiriyoni makumi masere nemashanu emamiriyoni emadhora.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kukwikwidza zvakare musarudzo vakamiririra Zanu-PF, neChina vakaparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro.
SADC inoti neMuvhuro svondo rinouya ichaparura chirongwa chekutumira nhumwa zhinji kuZimbabwe kuti dzizoongorora sarudzo.
Chirongwa chekupinda muvanhu vachinyoreswa kuitira kuti vagozovhota musarudzo chakasvika kwamvura yacheka makumbo neChipiri.
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti kunyange hazvo dare repamusoro soro rakati sarudzo dziiitwe musi wa31 Chikunguru nyika haina mari yacho.
Dare repamusoro soro ratara zvakare zuva raChikunguru 31 semusi uchaitwa sarudzo mumutongo warapa neChina.
Magweta aVaMugabe neaVaTsvangirai aswera ari mumatare neChitatu achiendesa mapepa ekupikisana zuva resarudzo.
Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, neChishanu vakasvika muSouth Africa murwendo rwavo rwekuAfrica
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasimuka munyika neChipiri vakananga kuSingapore vachinzi vaienda kunoona chiremba wemaziso.
Gweta raVaTsvangirai, VaSelby Hwacha, vanoti VaMugabe vanofanira kutevedzera bumbiro remitemo.
Vatungamiri vemapato eMDC maviri ari muhurumende akafambira dhongi rakaora neChishanu apo vaenda kuState House kwanga kuchifanirwa kuzeya nyaya yegakava riripo pazuva resarudzo
Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ari kuenderera mberi achikandirana makobvu nematete panyaya yezuva resarudzo zvichitevera kurudziro yakapihwa neSADC yekuti sarudzo dziendeswe mberi kuitira kuti munyika mutange mavandudzwa zvinhu.
Sangano reAfrican Union ratumira vaongorori vesarudzo kuZimbabwe kunyange zuva resarudzo richine mutauro pari zvino.
Komiti yedare reseneti yezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica yaita musangano neChipiri wekuzeya sarudzo dzemuZimbabwe.
Rodhai zvimwe