Accessibility links

Breaking News

Biti Vanoti Mari yeSarudzo Yoramba Kubatika


VaTendai Biti
VaTendai Biti
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti vachiri vakangomirira mhinduro kubva kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nezvemari yesarudzo yavanoti yasara makumi masere nemashanu emamiriyoni emadhora.

Nyaya yekukandirana nyoka mhenyu iri kuenderera mberi pakati paVaMugabe naVaBiti. VaMugabe vanoti hurumende ine mari asi VaBiti vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muhomwe yehurumende.

VaBiti vanoti gore rino havana kana kobiri ravawana kubva kumangoda. Hatina kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, nezvenyaya iyi.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti Zimbabwe Electoral Commission yave kungotenga zvinhu zvishoma painenge yawana mari.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro weZEC, amai Rita Makarau, avo vanzi vange vari mumusangano.

Kunyange hazvo VaBiti vari kuti vane nyika ina dzekuchamhembe kweAfrica dzavakakumbira rubatsiro, mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, VaEbrahim Ebrahim, vadzokororora kuti kana Zimbabwe ichida mari ngaiende kuSADC, iyo SADC yacho yozotaura nenyika dziri mugungano iri.

VaEbrahim vanoti SADC haisati yaisa chikumbiro chemari yekubatsira Zimbabwe. Sachigaro weZimbabwe Elections Support Network, Doctor Solomon Zwana, vanoti mari ikanonoka kuuya zvichakanganisa sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG