Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voparura Chirongwa Chekutsvaga Rutsigiro


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vari kukwikwidza zvakare musarudzo vakamiririra Zanu-PF, neChina vakaparura hurongwa hwekutsvaga rutsigiro pachikoro cheNzvimbo kuMadziva, Mashonaland Central.

VaMugabe vanyomba mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, kuti havana kana vanhu vakauya kumisangano yavo yekuMashonaland Central.

VaMugabe vanoti havachadizve kuti vapinde muhurumende yemubatanidzwa nekuti inenge nyoka ine misoro mitatu.

Vakashorawo gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachiti vari kunyepera nyika kuti haina mari yesarudzo.

Asi VaBiti vanoti VaMugabe ngavataure negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, sezvo vari ivo vakasunga homwe yemari yemangoda.

Vamwe vange vari pamusangano apa vanosanginisira mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joyce Mujuru, uye mudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, avo vapa vanhu hupfu, shuga, munyu, mafuta ekubikisa nebhinzi.

Sachigaro weZanu-PF kuMashonaland Central, VaDick Mafios, vanoti vafara nehuwandu hwevanhu vari kuuya kumisangano yavo.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, avo vanoti VaMugabe vachaita mimwe misangano mipfumbamwe sarudzo dzisati dzaiitwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG