Accessibility links

Breaking News

VaDabengwa Vanoti Havasi Kuzobuda Musarudzo Kunyange Vakabatana naVaNcube


Dumiso Dabengwa

Vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vakamirira bato reZapu, VaDumiso Dabengwa, vanoti havasi kuzobuda musarudzo kuitira kuti mutungamiri weMDC diki, VaWelsman Ncube, vapinde voga musarudzo dzemutungamiri wenyika.

VaDabengwa naVaNcube vakazivisa masvondo apfuura kuti mapato avo ainge oita mushandirapamwe musarudzo.

Asi VaDabengwa vanoti chibvumirano ichi chakanonoka kuitika nekudaro vaviri ava vacharamba vari mudariro rekutsvaga mutungamiri wenyika musarudzo dzemusi wa31 Chikunguru.

VaDabengwa vanotiwo havatenderane nepfungwa yekuti mapato ose anopiksa abatane kuitira kuti akutsire mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri webarto reZanu-PF, VaRobert Mugabe.

Vanotiwo havaoni paine munhu achakunda musarudzo idzi zvine mutsindo vachiti vakagadzirira havo kuti vapinde muhurumende yemubatanidzwa yavanoti ichaumbwa kana sarudzo dzapera.

VaDabengwa vaive nhengo yeZapu isati yabatana neZanu-PF. Vakamboshanda segurukota rezvemukati menyika zvichitevera kubatana kweZanu PF neZapu. Asi VaDabengwa ndivo vakaita munhu wekupedzisira kutoreswa mhiko kuvanhu vakabva muZapu vachipinda muhukama neZanu PF.

Muna 2008 VaDabengwa vakabuda muZanu PF pamwe nemutungamiri weMavambo, VaSimba Makoni, avo vaivewo gurukota rezvemari muhurumende yeZanu PF.

XS
SM
MD
LG