WASHINGTON —
Sangano remubatanidzwa wenyika dzekuchamhembe kweAfrica, reSADC, rinoti neMuvhuro svondo rinouya richaparura chirongwa chekutumira nhumwa zhinji kuZimbabwe kuti dzizoongorora sarudzo.
Mutevedzeri wegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa, VaEbrahim Ebhrahim, vakaudza vatori venhau muPretoria kuti South Africa iri kuzobatana nedzimwe nyika dzemuSADC mukutumira nhumwa kuZimbabwe.
SADC neAfrican Union dzakatumira hadzo vamwe vaoongorori vashoma masvondo apfuura kuitira kuti vazokura nzira.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vanoti vakakoka masangano ekunze anopfuura makumi mashanu.
Asi vanoti hapana nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango dzichatenderwa kupinda munyika kuzoongorora sarudzo idzi.
Zimbabwe Electoral Commission yakazivisa neChipiri sangano re The Carter Centre, kuti harikwanise kuongorora sarudzo dzichaitwa munyika. The Carter Centre yakanga yanyorera kuZEC ichida kupihwa mvumo yekuongorora sarudzo.
The Carter Centre, iyo yakavambwa nevaimbove mutungamiri we America, VaJimmy Carter, inoongorora sarudzo munyika dzakawanda pasi rose, uye kusvika pari zvino, yaongorora sarudzo makumi mapfumbamwe neina munyika makumi matatu nenomwe.
Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti SADC yatodya manonoko pakutumira nhumwa dzayo kuZimbabwe.