WASHINGTON —
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neMuvhuro vakapindawo mumudungwe wevanhu vemuZimbabwe vari kukwira kudare repamusoro soro, Constitional Court, Concourt, vachiti sarudzo hadzifanirwe kuitwa musi wa 31 Chikunguru sezvakaturwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Dare reConstitutional Court riri kutanga neChitatu kunzwa nyaya dzinosvika nhanhatu dziri kudare dziri kutaura nezvenyaya yesarudzo idzi.
Nyaya iri pamusoro ndeye gurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, yekuti sarudzo dziitwe musi wa 14 Nyamavhuvhu kunyange vamwe muhurumende yemubatanidzwa vari kuti VaChinamasa havasi kuvamiririra nekuti vakaita zano ndega. Panyaya nhanhatu dziri mudare idzi, hapana nyaya yaVaTsvangirai.
VaTsvangirai vanoti havasi kutenderana nechikumbiro chaVaChinamasa chemasvondo maviri sezvo vari kuti nguva iyi haikwane pakugadziriswa kwemisariridzwa yeGlobal Political Agreement uye zvimwe zvinodiwa nebumbiro remitemo.
VaTsvangirai vanotiwo vanoda kuti VaMugabe vaunze kudare bhiri remutemo wesarudzo kana kuti Electoral Ammendment Bill musi wa 28 Chikumi usati wadarika.
Gweta raVaTsvangirai, VaSelby Hwacha, vanoti VaMugabe vanofanira kutevedzera bumbiro remitemo.
Asi gweta remurume akakwira kudare repamusoro soro achiti VaMugabe vanofanirwa kutara zuva resarudzo temu yeparamende isati yapera, VaJelous Mawarire, VaJoseph Mandizha, vanoti vari kuzopikisa vose vanoda kuti sarudzo dziendeswe mberi.