Accessibility links

Breaking News

African Union Yotumira Vaongorori veSarudzo kuZimbabwe


Sangano reAfrican Union ratumira vaongorori vesarudzo kuZimbabwe kunyange zuva resarudzo richine mutauro pari zvino.

Vanoona nezvematongerwo enyika musangano reAfrican Union, VaIdrissa Kamara, ndivo vari kutungamira vaongorori gumi vakapinda munyika neChipiri ava.

Mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Joyce Kazembe, vanoti neChina vachapa vaongorori ava mapepa ekuti vatange basa zviri pamutemo.

Vaongorori ava vari kubva munyika dzemuSADC. SADC yacho yakabudawo nechisungo chekuti itumire nhumwa kuZimbabwe nechimbi chimbi. Asi SADC haina mari uye iri kutarisirwa kuti ikumbire nyika dzekunze kuti ibatsire nemari yesarudzo.

Asi nyika idzi, dzichitungamirwa neamerica, dzinoti hadzisi kufara nenyaya yekuti sarudzo dziitwe pasina kuvandudzwa misariridzwa iri muchibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Mashoko aya akataurwawo na Acting Assistant secretary for African Affairs muAmerica, VaDonald Yamamoto, neChipiri avo vakaudza komiti yedare reparamende yeAmerica kuti havasi kufara nenyaya yekuti sarudzo dziitwe musi wa 31 Chikunguru.

Muongorori wezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weCrisis in Zimbabwe Coaltion, vaMcdonald Lewanika, vanoti chinhu chakanaka kuti vaongorori vekunze vakurumidze kupinda munyika.
XS
SM
MD
LG