WASHINGTON —
Chirongwa chekupinda muvanhu vachinyoreswa kuitira kuti vagozovhota musarudzo chakasvika kwamvura yacheka makumbo neChipiri asi paine kugunun’una kwakakura nezvemafambisirwo echirongwa ichi zvikuru mumaguta.
Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makara, vanoti chirongwa ichi chichaenderera mberi kusvika pakati pehusiku kuitira kuti vose vanga vakamirira kunyoresa, vakwanise kunyoresa.
Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rakanyora tsamba kuZEC richiti nguva inofanira kuwedzerwa kuti vanhu vose vanyorese kuvavhota. Asi Amai Makarau vanoti izvi hazvikwanisike sezvo zvavari kuita zviri mugwara remitemo yenyika.
Mumaguta akawanda, zvikuru muHarare neBulawayo , vanhu vanonzi vafumobata jongwe muromo neChipiri vachienda kunonyoresa kuvhota. Asi vanhu ava vanoti vashandi vekumahofisi emabharani mukuru wenyika vange vachinonoka kunyoresa vanhu.
Vakawanda, kusanganisirawo vari kunyora padandemutande, vanotiwo chirongwa ichi chiri kunonoka uye dai chawedzerwa nguva.
Asi munzvimbo dzakaita seMashonaland East neMashonaland Central zvinonzi chirongwa ichi chiri kufamba zvakanaka.
Vanhu vashoma vanonzi vange vachienda kunonyoresa kuMatebeleland. Mapato ezvematongerwo enyika, zvikuru eMDC, anoti haana kufara nemabatirwo echirongwa ichi.
Mukuru weZimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vanoti ZEC yave kufanira kugadzirisa nyaya yegwaro revavhoti kuitira kuti richene sarudzo dzisati dzaitwa.