Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inotenda Kuti Yakatakura Vanhu Muzuva reSarudzo


Gumbo
Gumbo
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti ichokwadi kuti bato ravo reZanu-PF raitakura vanhu nemabhazi mune dzimwe nzvimbo vachiendeswa kunovhota.

VaGumbo vanoti vanhu vaitakurwa ndevaya vainge vanzi vainge vaenda kunovhota panzvimbo dzisiri idzo. VeMDC-T vanoti vanhu vakatakurwa kubva munzvimbo dzakawanda zvikuru kumaruva vachinozovhotera mumadhorobha.

VaGumbo vanotiwo mashoko emutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, ekuti havatambire zvabuda musarudzo haana nematuro ose.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaTrevor Maisiri, avo vanoshanda nesangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, vanoti sarudzo idzi dzine mutauro asi vanhu havafanire kuita mhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sachigaro veZimbabwe Election Support Network, ZESN, Doctor Solomon Zwana, vanoti kunyange hazvo kuverengwa kwemavhoti kuchiri kuitwa izvo zvinoita kuti sangano ravo risapa pfungwa dzaro dzizere, mafambisirwo akaitwa sarudzo idzi anoratidza kuti hadzina kufamba zvakanaka sezvinotarisirwa pasarudzo dzinganzi dzakachena.

Doctor Zwana vanoti sangano ravo, iro raiongororawo sarudzo idzi, rakatambira zvinyunyuto zvakawanda chose zvinosanganisira zvekusavepo kwegwaro revavhoti pane nguva, mashoko ekuti vamwe vakanzi vati havagoni kunyora kana kuverenga, kuitira kuti vabatsirwe kuvhota, kutakurwa kwevanhu nemabhazi nezvimwe zvakadaro, zvose izvi zvinongedzo zvekuti sarudzo dzakanga dzisina kuchena.

ZESN yakatumira vaongorori zviuru zvinomwe munzvimbo dzakasiyana siyana, avo vakaburitsa zvavakaona zvinoratidza kuti mudzimwe nzvimbo zvinhu hazvina kufamba negwara raitarisirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG