WASHINGTON —
Mutungamiri webato reZimbabwe Democratic Party, VaKisinoti Mukwazhe, vanoti vari kutarisira kukunda mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, zvine mutsindo musarudzo dziri kutarisirwa musi wa31 Chikunguru.
Muhurukuro yavaita neStudio 7 VaMukwazhe vanoti chinopa kuti vasaite misangano yakawanda nevanhu inyaya yekuti havana mari. Asi vanoti vanhu vari kuvatambira zvine mutsindo kwese kwavanoenda, kana kwavanotaura nevanhu.
Vanotiwo chaiva chido chavo kuti vabatane naVaTsvangirai kuitira kuti vaite mushandirapamwe unobvisa VaMugabe pachigaro, asi zvinenge zvakakona n'anga murapwa achada.
VaMukwazhe vanotiwo VaMugabe vakwegura uye vave kufanira kuti vachiende pamudyandigere.
Musarudzo dzemutungamiri wenyika pane varume vashanu vachange vachikweshana kuti vatungamire nyika kwemakore mashanu anotevera.
Vanhu ava ndiVa Mukwazhe, VaMugabe, VaTsvangirai, mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, pamwe nemutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube.