Accessibility links

Breaking News

VeZanu-PF neMDC Vokakavadzana neNyaya yeKuendesa Mberi Zuva reSarudzo


Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa ari kuenderera mberi achikandirana makobvu nematete panyaya yezuva resarudzo zvichitevera kurudziro yakapihwa neSADC yekuti sarudzo dziendeswe mberi kuitira kuti munyika mutange mavandudzwa zvinhu.

Asi veMDC vave kugunun’una kuti gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vakangoita zano ndega ndokuenda kudare vasina kusuma vamwe.

Gukota rinoona nezvemari, uye vari munyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, vanoti neChitatu ivo nemutungamiri werimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube, vakambotaura naVaChinamasa kuti vaisewo pfungwa dzavo mumapepa ainge aendeswa kudare naVaChinamasa sekurudziro yainge yabva kuvatungamiri venyika.

Asi vaChinamasa vanonzi vakati vanyore affidavit iyo vakazoramba kutambira. Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaChinamasa sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaBiti vanoti vave kuendesa mapapepa avo kumagweta avo kuti kana nyaya yotongwa svondo rinouya, azeyiwewo mudare sezvo vachapihwa mukana wekutaurawo nyaya yavo nekuti VaNcube nemutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, varipowo pamapepa akaturwa kudare naVaChinamasa.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti dziri kushamisika kuti VaChinamasa vari kuwanepi chivindi chekuramba kuterera vatungamiri venyika kusanganisira mutungamiri webato ravo, VaRobert Mugabe, avo vakati vashande naVaBiti naVaNcube.

Nyaya iyi iri kutarisirwa kuti inyanye kuoma nekuti gweta raVaJelous Mawarire, avo vakakwidza nyaya iyi kudare kuti sarudzo dziitwe nechimbichimbi, VaJoseph Mandizha, vaudzawo Studio 7 kuti vari kukwikwidzawo nyaya iyi vachiti havasi kuda kuti dare riwedzere nguva yekuita sarudzo.

Nhengo yeZanu-PF VaGodwills Masimirembwa, avo vari kuda kukwikwidza musarudzo vakamirira bato iri kuMabvuku vanoti VaChinamasa havana chavakatadza nekuti vakangoita zvakataurwa neSADC.

Asi mutauriri weMDC-T VaDouglas Mwonzora vanoti VaChinamasa vari kutsika madziro vachizvidza vatungamiri venyika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG