Accessibility links

Breaking News

MDC Mbiri Dzofambira Dhongi Rakaora kuState House


Vatungamiri vemapato eMDC maviri ari muhurumende akafambira dhongi rakaora neChishanu apo vaenda kuState House kwanga kuchifanirwa kuzeya nyaya yegakava riripo pazuva resarudzo, pamwe nezvinofanirwa kuitwa neparamende isati yasvika kumagumo kwayo svondo rinouya.

Vanga vachifanirwa kusangana mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara.

Vaenda kumusangano uyu vakafambira yakaora igurukota rezvemari, VaTendai Biti, gurukota rezvibumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, pamwe nemunyori mukuru muMDC inotungamirwa naVaNcube, Amai Priscilla Misihairambwi Mushonga.
Gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, gurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, nevamwe vavo muZanu PFhavana kuenda kumusangano uyu.

SADC pamusangano wayo kuMaputo yakabuda nechisungo chekuti Zimbabwe izadzikise zviri kunetsa zvasara, uye kana zvanetsa yotaura neSouth Africa.

VaMatinenga vanoti maitiro eZanu-PF aya ndeekuda kusaita sarudzo dzakachena.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti veMDC vagara vachingorova bembera nenyaya yekutya sarudzo.

Hurukuro naVaEric Matinenga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG