WASHINGTON —
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakasimuka munyika neChipiri vakananga kuSingapore vachinzi vaienda kunoona chiremba wemaziso.
Asi rwendo rwaVaMugabe urwu rwunenge rwauyawo panguva yakaoma nekuti hupenyu hwedare reparamende huri kupera musi weChishanu nekowo pane zvinhu zvakawanda zviri kuda kuitwa zvinosanganisira kuvandudza mitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act, AIPPA, Public Order and Security Act, POSA, Defence Act, Police Act, Electoral Act nezvimwe.
Vakuru vemapato maviri eMDC vanoti zvave pachena kuti hapana chakakurudzirwa neSADC kuti chiitwe chave kuzoitwa paramende isipo.
Vanotungamira rimwe bato reMDC, VaWelshman Ncube, vanoti havaoni chiyedza panyaya yekugadzirisa mitemo iyi nekuti kwangosara mazuva maviri kuti dare rigare.
Mashoko aya atsinhirwawo negurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga. VeZanu-PF vanoti zvave pachena kuti zvekuti dare reparamende ivandudze mitemo iyi zvakundikana.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti hapana chinoda kuvandudzwa uye vari kutaura izvi vanhu vari kutya kupinda musarudzo.
Kunetsana uku kuri kuitika munguva iyo paine kunetsana zvakare muZanu-PF iyo iri mubishi rekuita sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dzenyika.
Nyanzvi munyaya dzezvamatongerwo enyika uye vari chipangamazano muInternational Crisis Group, VaTrevor Maisiri, vanoti Zimbabwe yatarisana neimwe sarudzo ine mutauro.