Accessibility links

Breaking News

Kukwegura kwaVaMugabe Kotaurwa Vachitora Mhiko


Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatoreswa mhiko neChina, nyaya yekuti ndiyani achavatsiva kana vasisipo inonzi yave kutemesa vakawanda musoro muZanu-PF.

VaMugabe vave nemakore makumi masere nemapfumbamwe ekuberekwa, uye nguva zhinji vari kugara vakaenda kunorapwa kuSingapore.

Pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika, mutungamiri wenyika akasiya basa, kana kufa, mutevedzeri wake wekutanga ndiye anobva atora chigaro chake kusvika temu yake yasvika kumagumo.

Kana mutevedzei wekutanga wemutungamiri wenyika asangakwanisi kutora basa iri, mutevedzeri wemutungamiri wenyika wechipiri ndiye anobva apihwa basa iri. Mutemo unotiwo zvakare kana vatevedzeri vaviri vemutungamiri wenyika vasingakodzeri kutora basa remutungamiri wenyika, dare remakurukota rinofanirwa kudoma gurukota rinotora basa iri.

Izvi zvonoreva kuti pari zvino Amai Joyce Mujuru, avo vanova mutevedzeri waVaMugabe, ndivo vanotsiva VaMugabe kana vakasiya basa.

Kana Amai Mujuru vasingakwanisi kutora basa iri nepamusana pehurwere nezvimwe zvinoita kuti munhu atadze kuita basa remutungamiri wenyika nemazvo, basa iri rinenge ropihwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika wechipiri, uyo asati adomwa.

Kunyange hazvo mutemo wakajeka, kune vamwe muZanu-PF vari kuronga tsoro yekuti vange vachizotsivawo VaMugabe mune remangwana.

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vane chido chekuti vazotungamirawo bato iri mune remangwana. Izvi zvinonzi zviri kukonzera mapisha pisha mubato iri.

Bato reZanu-PF rinofanirawo kusarudza mutevedzeri wemutungamiri wenyika achatsiva mushakabvu VaJohn Nkomo.

Sachigaro webato iri, VaSimon Khaya Moyo, ndivo vanofanirwa kutora nzvimbo iyi sezvo vari munhu wechina pahukuru muZanu-PF. Kune vamwewo vanonzi vari kuda hukuru muZanu-PF vanosanganisira munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato, VaDidymus Mutasa, VaSydney Sekeramai, pamwe naVaObert Mpofu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaGideon Chitanga, avo vari kuita zvidzidzo zvepamusoro soro paRhodes University ku South Africa, vanoti nyaya yekuti ndiyani achatsiva VaMugabe icharamba ichinetsa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG