Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Geoff Feltoe Vanosiya Basa kuZEC


ZEC
Imwe nhengo yeZimbabwe Electoral Commision, ZEC, Muzvinafundo Geoff Feltoe, vasiya basa mukomisheni iyi vasina zvikonzero zvakati tsvikiti zvavapa.

VaFeltoe vava nhengo yechipiri mukomisheni iyi kusiya basa mushure mesarudzo dziri kushorwa nevakawanda vachiti hadzina kufamba zvakanaka.

NeMugovera imwe nhengo yekomisheni iyi, VaMkhululi Nyathi, vakasiya basa vachiti ZEC yainge yakundikana kuita basa rayo nemazvo zvichitevera sarudzo dzakakokerwa nekomisheni iyi. Sarudzo idzi dzakonzera mutauro munyika nekunze.

Asi VaFelto vaudza vatori venhau kuti vave kuda kudzokera kubasa ravo rekuti vange vachidzidzisa kuUniversity of Zimbabwe.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaFeltoe vava kutyawo kusvibiswa chimiro chavo neZEC iyo iri kushorwa nekusafambisa basa zvakanaka.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo idzi. Nyika dzakaita seBritain, Botswana, America neAustralia, dzinoti sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kuitwa nemazvo.

Asi sachigaro veZEC, Amai Rita Makarau, vanoti handi chokwadi kuti sarudzo dzakabiridzirwa.

Mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaAbel Chikomo, vanoti chinoda kugadziriswa muZEC, vashandi vayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG