Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweMadzimai Mudare reParamende Hokwira Asi Paine Kugunun'una


Parliament of Zimbabwe
Matare maviri eparamende, reNational Assembly nereSenate, akagadzwa zviri pamutemo nemusi weChipiri paine madzimai akati wandei nekuda kwekuvandudzwa kwebumbiro remitemo kana kuti proportional representation.

Huwandu hwemadzimai hwasvika pamakumi masere nevashanu mudare reHouse of Assembly, iro rine nhengo mazana maviri nemakumi manomwe, zana nemakumi mapfumbamwe nevanomwe vari vamiriri veZanu-PF, makumi manomwe vari nhengo dze MDC-T, vaviri vari nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, kuchizoti munhu mumwe chete, VaJonathan Samukange, avo vari kunzi neZanu-PF vakazvidzinga mubato nekuramba kuteerera zvakanga zvatarwa nebato zvekuti vasakwikwidze.

Mudare reSenate rwendo rwuno mave nemadzimai makumi matatu nevapfumbamwe mudare rine vanhu makumi masere, makumi matatu nevanomwe vachimirira Zanu-PF, makumi maviri nemumwe chete vari veMDC-T, mumwe chete ari weMDC inotungamirwa naVaNcube, kuzotiwo vaviri vanomirira vakaremara.

Asi mamwe madzimai anotiwo huwandu hwavo huchiri hushoma pane zvaaitarisira zvekuva nevanhukadzi vane huwandu hwakaenzana nevanhurume.

Vakataura mashoko aya kumusangano wemadzimai wakaitwa muHarare neChitatu wekuzeya nyaya iyi, uye vari vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reWomen in Politics, Amai Priscah Mudondo, vanoti kunyange hazvo Zimbabwe yakundikana kuzadzikisa kurudziro yekuti mudare muve nevarume nemadzimai akaenzana panosvika gore ra2015, madzimai haafanire kurasa mbereko nekufirwa.

Madzimai anotiwo ari kushaya mari yekuti vakwanise kunyatsokwikwidza.

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubazi rezvevechidiki muMDC-T, Muzvare Maureen Kademaunga, vanoti havasi kufara nehuwandu hwemadzimai vari mudare.

Gweta rinorwira kodzero dzemadzimai uye vaimboshanda nesangano reMusasa Project, naMuzvare Teresa Mugadza, vanotiwo zvaitwa idanho rekutanga vanotarisira kuti huwandu uhu huchawedzera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG