Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vokurudzirwa Kudoma Makurukota Mashoma.


Sezvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakadzwa zviri pamutemo neChina, vava kutarisirwa kudoma dare remakurukota.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika dzinoti dare iri harifanirwe kukurisa.

Hapana ari kuziva kuti dare remakurukota richadomwa rinhi kunyange hazvo vamwe muZanu-PF vachiti zvinogona kuitwa mukupera kwesvondo rinotevera.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti VaMugabe vanofanira kudoma makurukota asingapfuure makumi maviri nemashanu.

VaZembe vanotiwo nemamiriro akaita hupfumi hwenyika, VaMugabe vanofanira kutsvaga makurukota anoziva nyaya dzezvehupfumi vachisanganisira vakare nevamwe vatsva.

Munyori mukuru wesangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanotiwo chinonetsa muZanu-PF inyaya yekuti makurukota ehurumende haapihwe mukana wekuti varatidze zvipo zvavo nekuti vanongomanikidzwa kuti vaite zvido zvebato.

Asi vanoti vane chivimbo chekuti VaMugabe semunhu akwegura vachakwanisa kuunza vamwe vachiri kutemwa dzinobva ropa kuti vapinde muhurumende.

Vamwewo vakaita sevesangano reZIFA vanotiwo vane chivimbo chekuti VaMugabe vachadoma gurukota richamirira zvemitambo chete nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzemitambo.

Asi mupepeti mukuru webepanhau reZimbabwe Independent, VaDumisani Muleya, vanoti havaoni VaMugabe vachiunza ropa ritsva mudare remakurukota. VaMuleya vanotiwo havaone VaMugabe vachidoma makurukota mashoma nekuti vanoda kufadza vatsigiri vavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weZimbabwe Institute for Democracy, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti vanhu havana chitsva chavangatarisire kubva kuna VaMugabe.
XS
SM
MD
LG