Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Yokurudzira VaMugabe Kuchengetedza Kodzero dzeVanhu Vose


Human Rights Watch
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reHuman Rights Watch, rinoti ranyorera tsamba kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, richikurudzira hurumende yavo itsva kuti ichengetedze kodzero dzevanhu nekuvandudza mimwe mitemo kuitira kuti ienderane nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Sangano iri rinoti mitemo inofanirwa kuvandudzwa inosanganisira mitemo yakaita seye Police Act, Defence Act, Prisons Act, Criminal Law Codification Act, Public Order and Security Act pamwe ne Access to Information and Protection of Privacy Act.

Sangano iri rinotiwo mitemo iyi haichaenderane nebumbiro idzva remitemo yenyika.

Sangano iri rinotiwo vanhu vose vakapara mhosva musarudzo dzapfuura, zvikuru muna 2008, pasarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokorodzwa, vanofanirwa kutongwa nemhosva dzavakapara.

Human Rights Watch inotiwo hurumende itsva inofanira kubuda pachena kuti icharemekedza kodzero dzemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMugabe, uye vari munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe pamire VaMugabe nehurumende yavo itsva yavasati vadoma.

Chipangamazano musangano reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vanoti vanotarisira kuti VaMugabe vachatambira kurudziro yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti sebato havaudzwe zvekuita nevekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG