Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva Rozeya Nyaya yaVaTsvangirai neZEC


Mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vari kutarisirrwa kunzwa neChitatu nyaya yakaturwa kudare nemagweta emutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, yekuti vanoda zvinhu zvose zvakashandiswa musarudzo neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Asi nyaya huru yakakwidzwa kudare naVaTsvangirai yekuramba kutambira zvakabuda musarudzo haisati yapihwa zuva rekuti inge ichinzwikwa nedare.

NeChitatu, dare rinenge richizeya nyaya mbiri, yekutanga ndeye magweta aVaTsvangirai ari kuda kuti ZEC ivape mapepa akakanganiswa ekuvhotesa kana kuti "spoilt ballots", huwandu hwevanhu vakabatsirwa kuvhota, nevanhu vakarambidzwa kuvhota.

VaTsvangirai vanoda zvakare kupihwa zvakabuda musarudzo padunhu rega rega, gwaro revavhoti padunhu rega rega, gwaro racho revavhoti rose uye huwandu hwevanhu vakavhota pasarudzo dze"special vote."

Bato reMDC-T rinoti riri kutarisira kuti dare richatambira chikumbiro ichi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru musangano reZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti havaone paine chinobuda kumatare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG