Accessibility links

Breaking News

EU Yonetserana Zvirango Zvakatemerwa Kambani Inobata Zvicherwa


Mubatanidzwa wenyika dzemuEurope, weEuropean Union, EU, watanga zvakare kunetsana nenyaya yekuti poitwa sei nezvirango zvakatemerwa mamwe makambani emuZimbabwe pamwe nevamwe vatungamiri veZanu-PF nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu.

Belgium, iyo ine muzinda mukuru pasi rose wekutengeswa kwemangoda muguta reAntwerp, inoti EU inofanira kubvisa zvirango zvakatemerwa kambani yeZimbabwe Mining Development Corporation.

Nyika makumi maviri nesere dziri muEU hadzisi kunyatsowirirana panyaya yekuti dzoita sei nenyaya yeZimbabwe mushure mesarudzo dzinonzi nevamwe dzakabirirwa.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muBelgium, VaHendrik Van De Velde, vanoti sarudzo dzakaitwa uye zvirango ngazvibviwe.

Asi vamwe muBritain vanoti EU haifanire kukurumidza kupembedza n’anga neinozobata mai huroyi ichiti panofanira kutanga pazeyiwa kuti sarudzo dzakafamba sei.

Mumiriri weEU muZimbabwe, VaAldo Dell Ariccia, vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinoda kutanga zvaongororwa neEU zvirango zvisati zvabviswa.

VaDell Ariccia vanoti vari kumirira gwaro reSADC panyaya yesarudzo dzkaitwa muZimbabwe. Vanoti vachadawo kuona kuti dare remakurukota richadomwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, rinenge rakamira sei uye gwara richatorwa nehurumende yeZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari chipangamazano musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, VaTrevor Maisiri, vanoti nyaya yezvirango inenge isiri kunyatsoshanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG