Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votumira Muzvare Khupe kuSADC


Prime Minister Morgan Tsvangirai
Prime Minister Morgan Tsvangirai
Bato reMDC-T ratumira mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozane Khupe, pamwe nemunyori munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, uye vari gurukota muhofisi yemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, VaJameson Timba, kumusangano weSADC wepagore kuLilongwe, Malawi.

Muzvare Khupe vane nemagwaro anoratidza kuti sarudzo dzakaitwa munyika dzakabirirwa ayo vachapa vatungamiri venyika dzeSADC vari kutanga kuungana muLilongwe neMugovera mumusangano wemazuva maviri.

Asi vakuru veSADC vanoti nyaya yeZimbabwe ichangangobatwa zvishoma mugwaro richaturwa nasachigaro weSADC Troika, VaJakaya Kikwete.

SADC ndiyo mutongi gava pagakava reZimbabwe nekudaro vakawanda munyika vanoda kuti inyatsozeya nyaya yesarudzo dziri kuramba kutambirwa neMDC-T ichiti dzakabirirwa neZanu-PF.

Zimbabwe ichaurwa pakati pedzimwe nyika dziri kuita mutaro dzakaita seDemocratic Republic of Congo neLesotho.

Mutungamiri weMalawi, Amai Joyce Banda, ndivo vanenge voita sachigaro weSADC vachitora chigaro kubva kumutungamiri weMozambique, VaArmando Guebuzza.

Mamwe masangano akazvimirira oga emunyika nemuAfrica ari kumusangano uyu achikurudzirawo SADC kuti izeye nyaya yeZimbabwe.

Vanoronga mabasa eCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaJoy Mabenge, avo vari kuMalawi, vanoti vane chivimbo chekuti SADC ichazeya nyaya yeZimbabwe zvakadzama.
XS
SM
MD
LG