Mumiriri weEuropean Union, EU, muZimbabwe anoti pari zvino hukama hwesangano ravo neZimbabwe hausati hwachinja.
Zanu-PF inoti yave kuvandudza mashandiro ayo muhurumende senzira yekugadzirisa zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.
Bato reMDC-T rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rave kusimbisa hurongwa hwaro hwekumisa nhengo dzebato iri dzinenge dzichishora vatsvangirai mumapepanhu kuburikidza nekudziranga nekudzimisa kuva nhengo.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, vakwidza nyaya yekunetsana kwenyika yavo neZimbabwe kuvatungamiri vehurumende yenyika yavo.
Bhanga guru renyika rakwira kudare repamusoro soro kuti risadzorere mari inosvika miriyoni imwe chete kukambani yeBindura Trojan Nickel Mine yayakatorera kambani iyi muna 2007.
Sangano reWorld Food Program rinoti riri kutanga mwedzi uno kubatsira kupa chikafu vanhu voziya nenzara mumatunhu akawanda munyika.
Sangano reInternational Monetary Fund pamwe neWorld Bank ari kutanga mumazuva mashoma anotevera kuita misangano nehurumende yeZimbabwe itsva panyaya yegwara rehupfumi.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasimuka muNew York neChishanu vachidzokera kumusha mushure memusangano weUnited Nations General Assembly.
Munyori mubazi rezvehupfumi VaWillard Manungo vanoti hurumende iri mushishi kuyedza kuumba homwe yemari kana kuti Sovereign Wealth Fund kubva mukutengesa zviwanikwa zvenyika.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe neChina vakashora zvikuru nyika dzakabudirira nekutemera nyika yeZimbabwe zvirango.
Nhengo dzedare reparamende dzeMDC-T dzave nemazuva maviri kutanga neChipiri dzichiramba kuzeya mashoko akaturwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kudare iri neChipiri svondo rapaera pavairivhura zviri pamutemo.
Dare ramejestiriti muHwange neChitatu rakapa mitongo yakaomarara kuvanhu vatatu vakabatwa vaine mhosva yekushandisa muchetura wecynade kuHwange National Park kuuraya nzou dzinodarika makumi masere.
Sangano reNational Constitutional Assembly riri kutarisirwa kuvandudzwa richiitwa bato rezve matongerwo enyika.
VaMoyo, avo vakaitwa gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vanonzi ndivo vakaita kuti zvinhu zviome munyaya dzekuburitswa kwenhau munyika.
VaTomana vanoti havana zvakawanda zvekutaura nekuti nyaya iyi haisati yaunzwa kuhofisi kwavo.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kupinda muNew York neMugovera kumusangano weUnited nNations General Assembly.
Hurumende yeAmerica inoti haisi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muZanu-PF.
Vanhu vemumusha weBudiriro 2 vakaona chisionekwi mambakwedza eChipiri apo madzimai maviri akawanikwa vari paruvanze miviri yekumusoro isina zvipfeko, kunyange hazvo vamwe vachiti vakanga vasina chavakapfeka.
Komiti yedare reparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, iri kuzeya neChina kudyidzana kweZimbabwe neAmerica.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vadoma neChipiri dare remakurukota ehurumende nevatevedzeri vavo vachange vari muhurumende iri pasi peZanu PF yoga.
Rodhai zvimwe