Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yochinja Maitiro Kuti Igadzirisa Hupfumi hweNyika


President Robert Mugabe's inauguration
Zanu-PF inoti yave kuvandudza mashandiro ayo muhurumende senzira yekugadzirisa zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.

Bato iri rinoti nzira dzaraishandisa kare hadzisi kushanda. Munguva yesarudzo bato iri rakavimbisa kuti rikakunda richagadzirisa nyaya yekushaikwa kwemabasa, mvura, magetsi nezvimwe.

Asi vanhu vakawanda munyika vanoti matambudziko avo ave kutowanda kubva Zanu-PF zvayakakunda musarudzo dzinonzi nevanopikisa dzakabirirwa.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti hurumende ichatevedzera kurudziro dzose dze International Monetary Fund, idzo bato ravo raimboramba kutambira.

Mamwe makurukota akaita seemigodhi, kuburitswa kwemashoko, matunhu, mvura nemhando dzemoto, anonzi ari mushishi kuita misangano nevanhu uye vakuru vemabhizimisi vachitsvaga nzira dzekugadzirisa zvinhu.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru weLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti Zanu-PF ikasataurirana neMDC-T inogona kuramba iri mumadhaka nekuti mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vakakundwa havo musarudzo asi vakavhoterwa nevanhu vakawanda.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti ichokwadi kuti bato ravo rave kushanda nevanhu mukuumba gwara rekugadzirisa hupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari chipangamazano musangano reInternational Crisis Group, Va Trevor Maisiri, vanoti zviri kuitwa neZanu-PF zvakanaka ikazvitevedzera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG