Accessibility links

Breaking News

RBZ Yokwira kuDare rePamusoro Soro Kuti Isadzorere Mari Dzayakatora


Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rakwira kudare repamusoro soro kuti risadzosere mari inosvika miriyoni imwe chete kukambani yeBindura Trojan Nickel Mine.

Mari iyi yakatorwa nRBZ muna 2007 apo hupfumi hwenyika hwainge hwaenda kumawere.

Dare repamusoro rainge rati RBZ idzosere mari yose iyi kukambani iyi. Asi RBZ inonzi yave kutya kuti vanhu vakatorerwa mari inonzi inogona kusvika mabhiriyoni maviri vanozoita chipata pata kuenda kumatare kuti vadzorerwe mari dzavo.

Imwe mari yakatorwa kuGlobal Fund uye sangano iri rakazodzoserwa mushure mekunge rati haraizopa Zimbabwe mari zvekare kana isina kuidzora.

Gavhuna weRBZ, VaGideon Gono, vakatora mari kubva kumakambani, masangano akazvimirira nevanhuwo zvavo vachiti vaida kuyedza kuti nyika ifambire mberi nekuti yainge yatemerwa zvirango uye hupfumi hwainge hwagwadama.

VaGono vakati muna 2010 vachiti mari iyi yakashandiswa kutenga chibage nemafuta ekufambisa dzimotokari nezvimwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari chipangamazano musangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica, VaTrevor Maisiri, vanoti VaGono vaida kubatsira havo asi nzira yavakaita nayo yekutora mari dzevanhu handiyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG