Accessibility links

Breaking News

America Yoronga Kuwedzera Zvirango kuVakuru muZanu PF


Hurumende yeAmerica inoti haisi kuzobvisa zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muZanu-PF kunyange vakarova bembera vachinyepa kuti zvirango ndizvo zvakonzera kuti hupfumi hwenyika huende kumawere.

Mashoko aya akabuda munhaurwa yakaitwa neChina mukomiti yedare reHouse of Congress inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muWashington DC.

Mumashoko avo kuvatori venhau, sachigaro wekomiti inoona nezveAfrica, kana kuti Congress sub-committee on Africa, VaChristopher Smith, vanoti chinangwa chehurukuro iyi chaiva chekuzeya nyaya yekuti sei America iri kutadza kumanikidza hurumende yeZimbabwe kuti ichinje maitiro ayo munyaya yehutongo hwejekerere kunyange yakaitemera zvirango. Vanotiwo musangano wayo wakabatabata mamiriro eremangwana reZimbabwe.

Vachipa humbowo kukomiti iyi, mutevedzeri wemunyori mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muhurumende yeAmerica, Amai Shannon Smith, vanoti Zimbabwe yakarasa mukana wekudyidzana neAmerica apo yakaita sarudzo dzisina kuchena.

America yainge yavimbisa kuti pakaitwa sarudzo dzakachena yaizobvisa zvirango zvakatemerwa vakuru vemuZanu-PF.

Amai Smith vanotiwo America haisi kuzofa yakabvuma kuti hurumende yeZimbabwe ifambe ichisvibisa zita reAmerica ichiti ndiyo iri kupa kuti hupfumi hwenyika huyende kumawere. Vanoti zvirango izvi ndezvevashoma uye nyaya yekutadzisa kufambisa hupfumi iri kukonzerwa nekusagona kutonga kweZanu-PF.

Amai Smith vanotiwo America ichawedzera mazita evanhu pazvirango vanenge vachityora kodzero dezevanhu.

Vachitaurawo mudare iri, vanomirira Califonia 39 District, VaEd Royce, vakashorawo SADC neAfrican Union nekumhanyirira kuti sarudzo dzainge dzaitwa muZimbabwe dzainge dzakachena. VaRoyce vanoti pane zvakawanda zvakanganiswa musarudzo idzi, izvo kusanganisira nyaya yevoters roll nezvimwe.

Vachitaurawo mukomiti iyi, vanoronga mabasa musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaArthur Gwagwa, vanoti America inokwanisa kuita zvinhu zvitatu panyaya yeZimbabwe.

Vanoti chekutanga kusiya zvirango zviripo kusvika Zimbabwe yaita hutongo wejekerere.

Chechipiri kubvisa zvirango zvachose, chechitatu kubvisa zvirango zvishoma nezvishoma zvichienderana neshanduko inenge ichiuya munyika.

Vachipawo humbowo mudare iri, mutevedzeri wemukuru mubazi reUnited States Agency for International Trade, VaTodd Amani, vakatiwo America ichawedzera hayo huwandu hwechikafu huchapihwa Zimbabwe.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti havashamisike nedanho ratorwa neAmerica nekuti yaida kuti veMDC-T vakunde musarudzo.

VaGumbo vanotiwo zvirango izvi zviri kukanganisa zvakanyanya hupenyu hwevanhuwo zvavo munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG