Accessibility links

Breaking News

EU Inoti Hapana Chachinja paHukama Hwayo neZimbabwe


Mumiriri weEuropean Union, EU, muZimbabwe anoti pari zvino hukama hwesangano ravo neZimbabwe huchakangomira pachinzvimbo chimwe chete sezvo sangano iri richiri rakangomirira kuwana magwaro akazara kubva kumasangano eSADC neAfrican Union anotaura nemafambiro akaita sarudzo dzemunyika.

Mashoko eEU aya anotevera mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti EU inofanira kubvisa zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe munyaya dzekutengeserana kunyange hazvo sangano iri rikasiya zvirango zvekufamba zvarakavatemera.

VaMugabe vakataura mashoko aya kuState House neChina apo vaigamuchira vamiriri vatsva vedzimwe nyika dzemu EU nemuAfrica.

Asi mumiriri weEU muZimbabwe, VaAldo Dell’ Ariccia, vanoti vachiri vakamirira magwaro esarudzo kubva kuSADC neAU uye pari zvino hapana zvitsva zvavangataure nezvenyaya yezvirango iyi.

EU yaimbenge yati ichabvisa zvirango zvayakatemera Zimbabwe kana nyika ikaita sarudzo dzakachena.

Asi dzimwe nyika dzemusangano iri dzakabatana neAmerica ne Britain, dzinoti sarudzo hadzina kufamba zvakanaka.

Bato reMDC-T nemamwe mapato emuZimbabwe ari kurambawo kutambira sarudzo idzi.

Zimbabwe yakarambidzawo sangano iri kuzoongorora sarudzo dzakaitwa muna Chikunguru.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti EU inofanira kunzwa kubva kuvana veZimbabwe kunyanya kudarika zviri kubva kuAU neSADC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG