Accessibility links

Breaking News

Mashoko aVaMugabe kuUnited Nations Okonzera Mutauro muNyika


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakasimuka muNew York neChishanu vachidzokera kumusha mushure memusangano weUnited Nations General Assembly.

Asi mashoko aVaMugabe kumusangano uyu ekunyomba Britain neAmerica akapa kuti vamiriri veAmerica vabude pavaitaura ave kukonzera kusawirirana munyika vamwe vachiti vakagona asi vamwe vachiti vari kuisa nyika pakaoma.

Vachitaura neChina pamusangano uyu, VaMugabe vakashora zvikuru nyika yeAmerica neBritain nenyaya yekutemera Zimbabwe zvirango.

VaMugabe vakati nyika idzi dziri kushandisa masimba adzo kukanganisa kanyika kadiki kakaita seZimbabwe uye vakati iyi imwe mhando yemhirizhonga.

Asi mashoko aVaMugabe aya ari kushamisa vakawanda nekuti pavakavhura dare reparamende mazuva mashoma apfuura vainge vati vachada kuyedza kuumbiridza hukama nenyika dzakaita seAmerica neBritain.

America nesangano reEuropean Union mumazuva mashoma apfuura vakabvisawo zvirango zvainge zvakatemerwa mamwe makambani emunyika.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe VaBruce Wharton vachitaura nevatori venhau kwaMutare neChina vakatiwo vaive nechivimbo chekuti nyika yavo neZimbabwe zvichatangazve kudyidzana.

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaPsychology Mazivisa vanoti VaMugabe vakabaya dede nemukanwa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari chipangamazano musangano reInternational Crisis Group VaTrevor Maisiri vanoti Zimbabwe inofanira kutanga kuita hurukuro neAmerica.
XS
SM
MD
LG