WASHINGTON —
Nhengo dzedare reparamende dzeMDC-T dzave nemazuva maviri kutanga neChipiri dzichiramba kuzeya mashoko akaturwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kudare iri neChipiri svondo rapaera pavairivhura zviri pamutemo.
Mukokeri weMDC-T mudare reparamende reHouse of Assembly VaInnocent Gonese vaudza Studio 7 kuti havacherechedza mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nekuti vakabirira sarudzo.
Bato reMDC-T harina kutambira zvakabuda musarudzo dzakaitwa musi wa 31Chikunguru idzo dzakakundwa neZanu-PF zvine mutsindo. Dzimwe nyika dzakaita seBritain, America neAustralia dzakatiwo sarudzo idzi hadzina kuitwa zvakanaka.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti danho reMDC-T harina kwarinoisvitsa nekuti kuramwira munda kumakudo.