Accessibility links

Breaking News

VaTomana Vanoti Nyaya yaVaMasimirembwa Haisati Yasvika Kwavari


Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti vakamirira kunzwa kubva kumapurisa kuti vatange kuongorora nyaya iri kupomerwa vaimbova sachigaro weZimbabwe Mining Development Corporation, VaGodwills Masimirembwa, avo vakanzi nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaita zvehuori.

VaTomana vanoti havana zvakawanda zvekutaura nekuti nyaya iyi haisati yaunzwa kuhofisi kwavo.

Vachitaura pamabiko akaitwa pakapera hurongwa hwavo hwekuvhura dare reparamende zviri pamutemo neChipiri, VaMugabe vakati mutemo unofanira kutora gwara rawo panyaya yaVaMasimirembwa avo vavakati ivo nevamwe muZMDC vakapihwa mari inosvika mamiriyoni matanhatu emadhora nevamwe vana muzvinabhizimisi vekuGhana vanonzi vaidawo kuita kambani yekuchera mangoda kwaChiyadzwa.

VaMugabe vanoti VaMasimirembwa nevamwe vavo vakaumba kambani yainge isingazivikanwe vakapihwa imwe mari isiri kuzivikanwa kuti imarii.

VaMugabe vanoti vaimbova gurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vanoziva nyaya iyi nekuti vakamboyedza kupindira vachiudza vana muzvinabhizimisi vekuGhana ava kuti vauye munyika uye vaisazosungwa sezvaitaurwa naVaMasimirembwa.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vati vange vari mumusangano.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMasimirembwa sezvo vanzi vange vari mumusangano.

Asi vachitaura nebepanhau reDaily News, VaMasimirembwa vanoti VaMugabe vakanyeperwa nezvipangamazano zvavo uye vakati vakagadzirira kuzvichenura.

Mukuru weTransparency International Zimbabwe, Muzvare Mary-Jane Ncube, vanoti vanotsigira mashoko aVaMugabe asi VaMasimirembwa vanofanira kupihwa mukana wekumira pamberi pedare kana paine mhosva yavakapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG