Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshora Vekunze neNyaya yeZvirango kuUN


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe neChina vakashora zvikuru nyika dzakabudirira nekutemera nyika yeZimbabwe zvirango.

VaMugabe vakataura mashoko aya pamusangano weUnited Nations General Assembly muNew York.

Mutungamiri wenyika akati nyaya yekutemera Zimbabwe zvirango kutyora kodzero dzevanhu veZimbabwe uye imhando yemhirizhonga. Vakati nyika yeZimbabwe idiki uye inoda runyararo asi inoshungurudzwa nenyika dzakabudirira uye dziine masimba.

VaMugabe vakati zviri kuitwa neBritain nedzimwe nyika zvekutemera Zimbabwe zvirango zvinhu zvinonyadzisa.

America yakatemera zvirango VaMugabe nevamwe vakuru muZanu-PF muna 2001 vachivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu. Mubatanidzwa wenyika dzemuEuropean Union wakatemerawo Zimbabwe zvirango muna 2002.

VaMugabe vakakurudzirawo United Nations kuti ivandudze mashandiro ayo uye vakakurudzira kuti pave nerunyararo pasi rose. Vakatiwo UN inofanira kutungamira nyaya yebudiriro.

Mutungamiri wenyika vakati Zimbabwe yaedza kuzadzikisa zviga zveUnited Nations munyaya dzedzidzo uye hutano asi vakati nyaya yekushaya mari ndiyo yopa kuti nyika itadze kuzadzikisa zimwe zviga zveUN.
please wait

No media source currently available

0:00 0:19:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG