Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votarisirwa kuMusangano weUNGA muNew York


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kupinda muNew York neMugovera kumusangano wechimakumi matanhatu nemasere weUnited Nations General Asembly.

Musangano uyu uri kutanga neChipiri, uye VaMugabe vachataura neChina.

Dingindira remusangano uyu rakanangana nenyaya yekukwanisa kuzadzikisa zviga zveUnited Nations zve Millenium Development Goals nezvimwe zvakatarwa nesangano iri kusanganisira nyaya yevakaremara.

Asi gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vakaudza ZBC zvikonzero zvakapa kuti Zimbabwe itadze kuzadzikisa zviga izvi, izvo zvinosanganisira dzidzo, hutano nezvimwe.

VaMumbengegwi vanoti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe ndizvo zviri kutadzisa Zimbabwe kuzadzikisa zviga izvi.

Asi nyika dzakatemera VaMugabe zvirango, America nenyika dziri mu European Union, dzinoti hadzisi kuzozvibvisa zvirango izvi nekuti VaMugabe havana kuita sarudzo dzakachena.

Vakuru mubazi rinodyidzana nedzimwe nyika vanoti VaMugabe, avo vari kutarisirwa kutaura neChina, vachabata bata nyaya yezvirango uye kuramba kutambirwa kwesarudzo nenyika dzakabudirira.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, uye vakamboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, VaClifford Mashiri, vanoti VaMugabe vanohwanda nemunwe kana vachiti zvirango ndizvo zvakonzera kutadzisa budiriro munyika.

Mune imwewo nyaya, sangano reEuropean Union rinonzi rabvumirana kuti kambani yeZimbabwe Mining Development Corporation, ZMDC, ibviswe pazvirango.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa ne Belgium, iyo ine musika mukuru wemangoda, rekuti ZMDC ibviswe pazvirango.

Britain imwe yenyika dzemu EU dzanga dzichipikisa danho reBelgium. Zvinonzi makurukota anoona nezvekunze kweEU achasangana kuti atambire chisungo ichi zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG