Accessibility links

Breaking News

Sangano reNCA Roita Kongiresi neMugovera


VaLovemore Madhuku
VaLovemore Madhuku
Sangano reNational Constitutional Assembly, NCA, riri kuita musangano waro wekongiresi nemusi wa 28 Gunyana muHarare.

Musangano uyu waifanira kuitwa muna 2011, asi hauna kuzoitwa sangano iri richiti rainge risina mari panguva iyi.

Asi vamwe vanoti vakuru vesangano iri vaisada kusiya zvigaro izvo zvaipa kuti vape zvikonzero zvekushaya mari.

Vari kuziva zviri kuitika mu NCA vanoti musangano weMugovera wakakosha nekuti uchasarudza vamwe vatungamiri vatsva sezvo vakawanda vange vachitungamirira NCA vasisabvumidzwe nebumbiro remitemo yesangano iri kukwikwidza.

Asi imwe nyaya iri kutarisirwa kukurukurwa nezvayo inyaya yekuti sangano iri rochinjwa here roita bato rezvematongerwo enyika.

Sachigaro weNCA, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti kana vakasarudzwa nevanhu vakagadzirira kutungamirira bato rinoumbwa kubva muNCA.

VaMadhuku vanoti kuzivikanwa kwavo pamusana peNCA iyo vashanda nayo kwemakore akawanda.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti hapana chakaipa kuti NCA iumbe bato rezvematongerwo enyika nekuti izvi zvichapa dzidziso yakakosha kuMDC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG