Accessibility links

Breaking News

VaMoyo Vosangana neVanoburitsa Nhau


Jonathan Moyo
Jonathan Moyo
Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, nevamwe vakuru mubazi ravo, vakaita musangano neChishanu nevapepeti vakuru venhau vakazvimirira nevamwe vane makambani ekutepfenyura nhau.

Vamwe vange vari pamusangano uyu munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, uye mutevedzeri waVaMoyo, VaSupa Mandiwanzira, muridzi wenhepfenyuro yeZIFM. VaMandiwanzira vanoti vachaita misangano yakadai yakawanda nevari mubasa rekutora nhau.

Mukuru weRadio VOP inotepfenyurawo iri kunze kwenyika, VaJohn Masuku, vanoti vakumbira musangano nebazi rezvekuburitswa kwemashoko nevane nhepfenyuro dzekunze.

VaMoyo, avo vakaitwa gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, vanonzi nevakawanda ndivo vakatoita kuti zvinhu zviome munyaya dzekuburitswa kwenhau apo vakamira mira mukunyorwa kwemitemo yakaita seAIPPA nePOSA apo vaive gurukota kubva muna 2000.

Muna 2001 mutemo weAIPPA uchizeyiwa neparamende, vaive sachigaro vekomiti inoona nezvemitemo mudare reparamende, muchakabvu VaEddison Mudadirwa Zvobgo, vakati mumakore avo makumi maviri vari muhurumende, vainge vasati vamboona mutemo unotyora kodzero dzevanhu sewainge waunzwa naVaMoyo uyu.
XS
SM
MD
LG