Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Hurukuro neIMF neWorld Bank paNyaya yeGwara reHupfumi


Sangano reInternational Monetary Fund pamwe neWorld Bank ari kutanga mumazuva mashoma anotevera kuita misangano nehurumende yeZimbabwe itsva panyaya yegwara rehupfumi.

Gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vari kutarisirwa kupinda muWashington DC svondo rino kutanga hurukuro nemabhanga anokweretesa mari aya. Zimbabwe iri kunetseka kuti iwane zvikwereti zvemari kuti imutsiridze hupfumi.

VaChinamasa vakatora basa iri kubva kumunyori mukuru weMDC-T Vatendai Biti mushure mekunge hurumende yemubatanidzwa yasvika kwamvura yacheka makumbo.

Sangano reIMF riri kutumirawo nhumwa dzaro kuZimbabwe mwedzi unouya kunoona kuti iri kutevedzera here zvakabvumiranwa pasi pehurumende yemubatanidzwa.

Sangano reWorld Bank rakatoti Zimbabwe inoda mari inosvika mabhiriyoni makumi matatu mumakore makumi maviri anotevera kuti igadzirise nyaya dzehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumiri vari mukuru weLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe VaGodfrey Kanyenze vanoti panoda kubudiranwa pachena panyaya yeZimbabwe neIMF pagwara rehupfumi.

Zimbabwe inosimboramba kutambira zvimwe zvinenge zvichikurudzirwa neIMF zvinozopa kuti bhanga iri rirambe kubatsira nyika nemari yechikwereti.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG