Hurumende yakaita misangano yakakosha neMuvhuro neChipiri nemakambani pamwe nemakanzuru panyaya yekusvibisa nzizi.
Vana sorojena havana havo kunge vanyanyopotsa paya pavakati mudzimu wakupa ronda wati nhunzi dzikudye. Iyi ndiyo nhamo yoonekwa nevanhu vari kuChingwizi avo vakabviswa zvechimbichimbi kunzvimbo yeTokwe-Mukosi nenyaya yemafashamu emvura muna Kukadzi.
Mutungamiri weChina, Va Li Keqiang, vavimbisa musangano we World Economic Forum, WEF, kuti nyika yavo ichashandisa muAfrica mari inosvika mabhiriyoni makumi mana emadhora mukusimudzira dunhu iri.
Mutungamiri webato reMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti matambudziko akatarisana nenyika pari zvino munyaya dzezvehupfumi anokwanisa kugadziriswa kuburikidza nekugadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaTrust Maanda, neChina vambochengetedzwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuda kukanganisa mapurisa kuita basa ravo nemazvo.
Mutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nyaya yechigaro chemunyori mukuru webato inenge yokonzera zinyekenyeke mubato ravo.
Gurukota rezvemighodhi, VaWalter Chidhakwa, vanoti hurumende yatumira chikwata chenyanzvi kuDubai kuti chiongorore kuti Zimbabwe yoramba ichishanda nekambani yeDubai Global Diamond Tenders here kana kuti kwete.
NeChina vashandi vemuZimbabwe vabatana nevamwe vashandi vepasi rose mukucherechedza zuva revashandi.
Gurukota rinoona nezvemigodhi, VaWalter Chidhakwa, vakatanga kuita misangano nevemakambani ari kuchera mangoda kwaChiyadzwa sekuvimbisa kwavakaita kuti vanoda kukanzura marezinesi emamwe makambani ariko kuti vasare nemaviri kana imwe inenge inenge ichishanda nekambani yehurumende yeZimbabwe Minising Development Corporation kana kuti ZMDC.
Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vambochengetedzwa neChipiri nemapurisa vachibvunzurudzwa kurova kwavanonzi vakaita imwe nhengo yebato ravo.
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti iri kuita musangano wenhengo dzose dze National Executive Council ne National Council neChipiri.
Fodya iri kutengeswa kumisika yefodya inonzi yaunza mari inosvika mamiriyoni mazana matatu emadhora mwaka uno zvichienzaniswa nemamiririyoni mazana maviri nemakumi masere nemapfumbamwe emadhora panguva imwe cheteyo gore rapera.
Vaimbova gururukota rezvemari, uye vari munyori mukuru muMDC-T, VaTendai Biti, vanoti hupfumi hwenyika hwaenda kumawere zvekuti zvinogona kutotora makore anodarika gumi nemashanu kuhugadzirisa.
Nyika dzakawanda dzinonzi dzine makambani akawanda ari kuratidza zvigadzirwa zvawo gore rino kumusika weZimbabwe International Trade Fair, ZITF, kuBulawayo.
Sangano rinomirira vashandi vehurumende re Apex Council rinoti riri kugunun’una nekunonoka kwehurumende kupa vamwe vashandi mari dzavo dzemihoro.
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti hurumende ine hurongwa hwekuvandudza gwara rehupfumi kuyedza kuti makambani ari kuvharwa atange kushanda zvakanaka.
ZCTU yaita musangano wekuongorora mamiriro ezvehupfumi panguva iyo vakawanda vari kutyira kuti makambani akawanda achavharwa nekuda kwekusatengwa kwezvinhu muzvitoro zvokonzera dambudziko redeflation.
Hurumende inoti iri kushanda zvakasimba kuti isimbaradze chirongwa chekubatira mitero vanhu vose vanoita mabasa emaoko kana vane mabhizimisi madiki.
Mubato reZanu-PF muri kuramba muine kunetsana kwakanyanya kunyange hazvo mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakati munhu anozotora chigaro chavo achabva muvanhu kwete vanonzi vari kurwira masimba.
Hurumende inonzi iri kuda kuti vanhu vanopfuura zviuru zvina vachaputsirwa dzimba kuChitungwiza, Seke, Nyatsime vaendeswe kune mamwe mapurazi ari kunyatsime.
Rodhai zvimwe