WASHINGTON —
Hurumende inoti yakanzura rezenisi reimwe kambani yeGye Nyame Investment, iyo yanga ichichera mangoda kwamarange.
Gye Nyame Investment inosanganisira Zimbabwe Mining Developmernt Corporation, ZMDC, ine zvikamu makumi mashanu kubva muzana; ZRP Trust ine zvikamu makumi maviri kubva muzana; muzvinabhizimisi wekuGhana, William Ato Essien, vane zvikamu makumi maviri nemanomwe kubva muzana, pamwe nekambani yeDantor yaVaItai Munyeza naVa Blessmore Chanakira ine zvikamu zvitanhatu kubva muzana.
VaMunyeza vanoti ichokwadi kuti rezinesi rakatorwa uye vakatomira kuchera mangoda kwaChiyadzwa.
Asi vanoti vari kuita musangano naVaChidhakwa munguva pfupi inotevera kuti vazeye remangwana ravo.
Imwe kambani yemauto yeGlass Finish Investment iri kushanda neAnjin inonzi iri kuongororwa neZIMRA nenyaya yekutadza kubhadhara mitero.
Kunze kweGye Nyame neAnjin, mamwe makambani ari kuchera mangoda anosanganisira, Diamond Mining Company, Jinan, Kusena, Marange Resources and Mbada Diamond.
Gurukota rinoona nezvemigodhi, VaWalter Chidhakwa, vakatanga kuita misangano nevemakambani ari kuchera mangoda kwaChiyadzwa sekuvimbisa kwavakaita kuti vanoda kukanzura marezinesi emamwe makambani ariko kuti pasare nemaviri kana imwe inenge ichishanda nekambani yehurumende ye ZMDC.
VaChidhakwa vakadomawo VaDan Muringari kuti vatungamire kuvandudzwa kwekambani yeZMDC. VaMuringari vaudzawo Studio7 kuti vari kushanda nebazi rezvemigodhi kuvandudza zvinhu munyaya dzemigodhi.
Hurumende iri kugunun’una kuti haina mari yakawanda yemitero yairi kuwana kubva mukutengeswa kwemangoda zvopa kuti ide kuvandudza zvinhu.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reResource Exploitation Watch, VaWashington Mehlomakulu, vanoti vanotambira zviri kuitwa naVaChidhakwa.