WASHINGTON —
Hurumende yapa makambani nemakunzuru ari kusvibisa mvura masvondo matanhatu ekuti agadzirise dambudziko iri. Makambani aya akatadza kugadzirisa dambudziko iri, anenge otorerwa matanho nehurumende.
Mashoko ehurumende aya anotevera misangano yakakosha yakaitwa neMuvhuro neChipiri pakati pehurumende nemakambani pamwe nemakanzuru.
Misangano iyi yaitirwa pamuzinda wekanzuru yeguta reHarare, pa Town House, ichikurukura dambudziko rekusvibiswa kwemvura..
Chinangwa chemisangano iyi changa chiri chekutsvaga nzira dzekumisa kusvibiswa kwemvura, pamwe nematanho angatorwe nehurumende.
Gurukota rinoona nezvematunhu, VaIgnatious Chombo, ndivo vakokera misangano iyi. Makambani akasangana naVaChombo anosanganisira ane mamochari, anogadzira matehwe, magaraji, mabhizimisi emotakari nezvimwe.
Pane kugunun’una kwakanyanya kubva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kuti mvura yazviri kunwa haina kuchena nenyaya yemishonga nedzimwe tsvina dziri kurasirwa munzizi dzinodira mvura mumadhamu anozotorwa mvura yekunwa.
Vanhu nezvipfuyo vakanwa mvura ine tsvina vanogona kubatira zvirwere zvakaita sekorera, hepatitis, nezvimwe zvirwere zvemudumbu zvakafanana nemanyoka.
Vanhu nezvipfuyo vakasarapwa zvinokonzera rufu.
Muguta reHarare munonzi maitawo dambudziko rakakura rekusvibiswa kwemvura nemakambani kana naiyowo kanzuru yeHarare. Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti vari kushushikana netsvina iri mumvura yemuguta reHarare.
Kune mamwe matambudziko akanyanya kunzvimbo dziri kucherwa zviwanikwa uko kunonzi kune makambani akawanda ari kusvibisa mvura nemishonga yaari kushandisa.
Imwe nzvimbo yawirwa nedambudziko iri inzvimbo yeMarange uko kuri kucherwa mangoda.
Sachigaro veChiyadzwa Community Development Trust, VaMarlvin Mudiwa, vanoti mvura yekuChiadzwa yave kukanganisa vanhu nezvipfuyo.
Gweta munyaya dzezvezviwanika, uye vari nhengo yeZimbabwe Environmental Lawyers Association, VaShamiso Mtisi, avo vari kumirira vamwe vagari vakaendesa makambani ari kwaMarange kuMatare, vanoti mitemo yakasimba yekudzivirira kusvibiswa kwenzizi iripo asi hapana ari kuitevedzera.