WASHINGTON —
NeChina vashandi vemuZimbabwe vabatana nevamwe vashandi vepasi rose mukucherechedza zuva revashandi kana kuti May Day, iro rinozivikanwa zvakare nerekuti International Workers Days.
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, range riri kuGwanzura ukuwo sanga no reZimbabwe Federation of Trade Unions, range riri kuKariba.
Sangano recConcerned Affiliates of the ZCTU range riri kuHarare Gardens uko rarambidzwa kuita hurongwa hwaro nemapurisa.
Pasi rose vanhu vafora mumaguta makuru akaita seWashington DC mu America, Jakarta kuIndonesia, Moscow kuRussia, Berlin kuGermany nemamwe. Vashandi vose ava vange vachitaura nezwi rimwe chete vachiti hurumende dzinofanira kuchengetedza kodzero dzevashandi.
Asi muZimbabwe zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo vashandi vakawanda vakarasikirwa nemabasa. Hurumende yeZanu-PF yakaparura chirongwa cheZIMASSET chekuyedza kugadzirisa hupfumi uye kuumba mabasa anosvika mamiriyoni maviri.
Asi masangano evashandi anoti chirongwa ichi hachisi kushanda uye havachitambire sezvo chisina pundutso. Hurumende iri kushaya mari yekumutsiridza makambani sezvo mabhanga akaita seWorld Bank ne International Monetary Fund, IMF, ari kuti haasi kuzokweretesa mari Zimbabwe nekuti nyika iyi haisi kubhadhara zvikwereti.
Hurumende inombochemawo nerekuti zvirango zvayakatemrwa nenyika
dzekumawirira ndizvo zviri kupa kuti itadze kumutsiridza hupfumi. Asi nyika idzi dzinoti zvirango izvi zvakatemerwa vakuru veZanu-PF chete uye hazvineyi nehupfumi hwenyika.
Vanhu vakawanda vave kuzviitira mabasa emaoko nekuda kwekuvharwa kwemakambani munyika.
Munyori mukuru wesangano reZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti zvirongwa zvehurumende hazvisi kushanda zvakanaka. Asi munyori mukuru werimwe sangano revashandi reZimbabwe Federation of Trade Unions, VaKenias Shamuyarira, zvinhu zvinofanirwa kugadziriswa munyaya dzehupfumi kuitira kuti vashandi vawane mabasa.