WASHINGTON —
Mutungamiri webato reMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti matambudziko akatarisana nenyika pari zvino munyaya dzezvehupfumi anokwanisa kugadziriswa kuburikidza nekugadzirisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.
Asi VaTsvangirai, avo vakanga vari mutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa neZanu-PF kwemakore mashanu, vanotiwo chakachenjedza ndechakatanga nekudaro havachabvumezve kupinda muhurumende yemubatanidzwa neZanu-PF vachibatwa semubvandiripo.
Hurumende yeZanu-PF iri kuvimbisa kuti kuburikidza nechirongwa chayo cheZIMASSET, Zimbabwe ichabuda mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi.
Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakaudza musangano wemazuva maviri wakarongwa ne Sapes Trust neNational Endowment for Democracy yemuAmerica neMuvhuro kuti hurumende yebato ravo, haichadi kuita zvehondo nenyika dzekunze dzinogona kubatsira Zimbabwe.
Asi VaChinamasa vakatiwo zvakosha kuti nyika dzakatemera Zimbabwe zvirango dzibvise zvirango izvi vachiti zviri kuita kuti Zimbabwe itadze kuzvisimudzira munyaya dzehupfumi.
Asi vakawanda vanoti zvinenge zvakona n’anga murapwa achida muhurumende yava VaRobert Mugabe.
Izvi ndizvo zviri kupa VaTsvangirai masimba ekuti munyika mutauriranwe kuitira kuti zvinhu zvigadziriswe.
VaTsvangirai vanoti zviri pachena kuti VaMugabe nebato ravo vari kutadza kupa vanhu zvinhu zvavaivavimbisa vachiti vachagadzirisa nyaya yemabasa.