Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yozeya Mamiriro eHupfumi


Chinamasa Budget
Chinamasa Budget
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, raita musangano wekuongorora mamiriro ezvehupfumi panguva iyo vakawanda vari kutyira kuti makambani akawanda achavharwa nekuda kwekusatengwa kwezvinhu muzvitoro zvokonzera dambudziko redeflation.

Musangano uyu waitirwa kuJameson Hotel muHarare. Bazi rehurumende reZIMSTAT rakazivisa neChipiri kuti mitengo yezvinhu yainge yaderera zvikuru kubva pa- 0. 49% muna Kukadzi kusvika pa -0.91% muna Kurume.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya ye deflation iri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika.

ZCTU yange ichitarisawo nyaya dzakaita sechirongwa chehurumende chekuvandudza hupfumi che ZIMASSET, bhajeti ra2014 uye mamiriro akaita hupfumi.

Vange vachitaura pamusangano uyu vanosanganisira Dr Godfrey Kanyenze mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, pamwe naAmai Naome Chakanya, chipangamazano musangano rimwe chetero.

VaKanyenze vanoti panofanira kuita mushandirapamwe pakati pehurumende, vashandi nevashandirwi kuti pagadziriswe nyaya yehupfumi.

Gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vanoti Zimbabwe iri kutadza kumutsiridza hupfumi nenyaya yekushaya mari yekunze zvichikonzerwa nenyaya yezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika nenyika dzekumavirira.

Asi mabhanga ekunze akaita seInternational Monetary Fund neWorld Bank anoti Zimbabwe iri kutadza kubhadhara zvikwereti nekudaro haingerambe ichipihwa mari.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG