WASHINGTON —
Vana sorojena havana havo kunge vanyanyopotsa paya pavakati mudzimu wakupa ronda wati nhunzi dzikudye. Iyi ndiyo nhamo yoonekwa nevanhu vari kuChingwizi avo vakabviswa zvechimbichimbi kunzvimbo yeTokwe-Mukosi nenyaya yemafashamu emvura muna Kukadzi.
Mvura gore rino inonzi yakanyanya kunaya zvange zvisingatarisirwe nehurumende nevari kuvaka dhamu reTokwe-Mukosi iri zvakapa kuti vanhu vatamiswe nechimbi chimbi vamwe vachiita zvekunyukurwa mumvura nezvikopokopo zveAir Force yeZimbabwe uye yeNamibia.
Mumwe mugari wemuChingwizi, VaLucias Murambiwa, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Hurumende yainge yati vanhu ava vainoti imhuri zviuru zvitatu kana kuti vanhu vanosvika zviuru makumi maviri vaitanga vaendeswa kuChingwizi vozoendeswa kuNuanetsi Ranch.
Asi pamutemo hurumende inofanira kutanga yapa vanhu ava mari inosvika mamiriyoni mapfumbamwe emadhora iyo vanofanirwa kushandisa pavanenge vogara panzvimbo itsva.
Nekuda kwekushaya mvura yakakwana nechikafu hurumende yainge yati vanhu vanofanira kuenda kuNuanetsi Ranch kwavanonogara zvachose, asi vanhu ava vari kuramba vachiti vanoda kutanga vapihwa mari dzavo neminda vasati vatama.
Asi gurukota rezvedunhu rekuMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti vanhu vanofanira kuva nechivimbo nehurumende yavo.
Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muriwe sangano riri mudunhu reMasvingo reCommunity Tolerance Reconciliation and Development (COTRAD) VaZivanayi Muzorodzi, vanoti nzvimbo yeChingwizi yaberekera ingwe nenyaya yemapurisa nemauto aendeswa kunzvimbo iyi.
VaMuzorodzi vanoti vari kutyira kuti munzimbo iyi muchatanga kupararira zvirwere zvekutapuriranwa zvinokonzerwa nekushaya chikafu uye mvura yakachena.
Mashoko aya anotsinhirwawo naDoctor Rutendo Bonde vesangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights avo vanoti hurumende inofanira kubatsira vanhu uye kuona kuti hakuna zvirwere.
Mutauriri wesangano reRed Cross, VaTakemore Mazuruse, vanoti sangano ravo riri kuenderera mberi nekutsvaga rubatsiro rwekupa vanhu ava.
Asi sangano iri rinoti rubatsiro rwuchiri rwushoma uye rinoda kuti vanhu nemakambani munyika vabatsirewo.
Chiri kunetsa apa inyaya yekuti vanhu vekuChingwizi vanoti chakachenjedza ndechakatanga. Vanoti vari kuona kunetsana kuri kuita hurumende nevanhu vakatamiswa kwaMarange uye kuChisumbanje avo vanoti havasi kufara nemiripo yavakapihwa nehurumende.
Kunyange hazvo paine kunetsana pakati pevagari nehurumende, dhamu reTokwe Mukosi riri kutarisirwa kuunza hupfumi hwakawanda munyika nemudunhu reMasvingo ndokunge pasina kuitwa nyaya dzehuori.
Zvinotarisirwa kuunza mari zvinobva mukuraura, kushanya, gwenya remagetsi uye kubatsira nemadiridziro.
Kambani yeSalin Impegilio yekuItaly ndiyo iri kuvaka dhamu iri. Pari kutarisirwawo kuti pachavakwa hotera kana dhamu rapera.
Dhamu reTokwe Mukosi rakatanga kuvakwa muna Chikumi 1998 uye pari kutarisirwa kuti pashandiswe mari inosvika madhora mamiriyoni mazana maviri.