Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yochema Chema Sezvo Yanonoka Kubhadharwa Mangoda Ayo


FILE - Illegal diamonds from Zimbabwe are displayed for sale in Manica, Mozambique.
FILE - Illegal diamonds from Zimbabwe are displayed for sale in Manica, Mozambique.
Gurukota rezvemighodhi, VaWalter Chidhakwa, vanoti hurumende yatumira chikwata chenyanzvi kuDubai kuti chiongorore kuti Zimbabwe yoramba ichishanda nekambani yeDubai Global Diamond Tenders here kana kuti kwete.

Izvi zvinotevera kunonoka kubhadharwa kwehurumende nemakambani ari kuchera mangoda kwaMarange mari inosvika mamiriyoni makumi matatu emadhora mushure mekutengesa mangoda kumusika weDubai Diamond Exchange mwedzi wapera.

Zimbabwe inoti yakatengesa makarati zviuru mazana mana.

Mitemo yeKimberley Process inoti mari iyi inofanira kubhadharwa mukati memazuva matatu chete kubva musi watengwa mangoda.

Pamari iyi hurumende, kuburikidza nebazi rezvemari, iri kufanira kuwana mari inosvika mamiriyoni mana emadhora. Imwe mari ichienda kuZimbabwe Mining Development Corporation imwe kumakambani ari kuchera mangoda.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakashora zvikuru kambani yekuDubai vachiti iri kukanganisa nyika zvirongwa zvayo.

Nhengo ye Kimberley Process Local Focal Point muZimbabwe, Shamiso Mtisi, vanoti hurumende inofanira kushanda nemakambani ane chiremera.
XS
SM
MD
LG