Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoramba Ichinetsana muMidlands neMasvingo


Mubato reZanu-PF muri kuramba muine kunetsana kwakanyanya kunyange hazvo mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, vakati munhu anozotora chigaro chavo achabva muvanhu kwete vanonzi vari kurwira masimba.

Vanonzi vari kurwira masimba mutevedzeri waVaMugabe, Amai Joyce Mujuru, negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa.

Vanoona nezvesarudzo mubato iri vari kutarisirwa mumazuva mashoma kuenda kuMidlands kunoyedza kudzima moto waramba uchibvira.

KuMasvingo chikwata chinonzi chinotsigira Amai Mujuru chiri kuti zvinhu zvose zvagadziriswa asi vanotsigira chikwata chaVaMnangagwa vanoti vakuru vebato vanofanira kuendako kunogadzirisa nyaya yekunetsana iyi.

Dunhu iri harina hutungamiri huzere kubva muna Zvita gore rapera nenyaya yekunetsana pakati pezvikwata zviviri izvi.

NeMugovera pamusangano wakaitwa kuManicaland, Amai Mujuru negurukota muhofisi yaVaMugabe, VaDidymus Mutasa, vakashorawo vamwe mubato wavaiti havaremekedze hukuru huripo kare. Vaviri ava havana kudoma munhu nezita.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti bato ravo riri mubishi kugadzirisa nyaya dziri kunetsa mumatunhu aya.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru we Zimbabwe democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti bato reZanu-PF ragara riine mapisha pisha achanetsa kupedza kana VaMugabe, avo vavanoti vakwegura, vasina kuenda pamudyandigere.
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG