WASHINGTON —
Mutungamiri we MDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nyaya yechigaro chemunyori mukuru webato inenge yokonzera zinyekenyeke mubato ravo.
VaTsvangirai vanoti, semaonero avo, nyaya iyi inofanirwa kugadziriswa pakongiresi yebato iri muna Gumiguru kuitira kuti igadziriswe.
Izvi zvinotevera kunetsana pakati paVaTsvangirai, pamwe nemunyori mukuru anonzi akadzingwa mubato iri, VaTendai Biti, pamwe nevakava munyori mukuru wekutanga webato, VaWelshman Ncube, vakazoumbawo bato ravo.
Izvi zvaita kuti bato iri riri pasi pehutungamiri hwaVaTsvangirai, ripatsanurwe kaviri.
Muna 2005 VaTsvangirai vakanetsana neVaNcube nenyaya yemasimba, asi nyaya yakaburitswa yaive yekuti vakanga vasingawirirane panyaya yekuwedzera matare eparamende kuti pave neseneti.
Kubva parakaumbwa bato iri, MDC yaiti iyo haidi dare reparamende rakakurisa, uye yaida kuti dare remakurukota rive nevanhu vashoma kuitira kuti hurumende isashandise mari yakawanda mukubhadhara vanhu vanenge vari muzvinzvimbo izvi.
Pakaumbwa dare reseneti muna 2005, VaTsvangirai vakati bato ravo haraifanirwa kupinda musarudzo idzi, ukuwo VaNcube vachitsigirwa nevamwe vachiti MDC yaifanirwa kupinda musarudzo idzi.
Izvi zvakaita kuti Standing Committee yeMDC ipatsanuke, izvo zvakazokonzera kutsemuka kwebato, VaNcube vakanoumba bato ravo.
Izvi zvaitika zvakare gore rino pakakati paVaTsvangirai naVaBiti, rwendo rwuno pachishandiswa nyaya yekuchinja hutungamiri hwebato.
Mukupera kwesvondo VaBiti vakaita musangano kwaMutare uko vakashoropodza hutungamiri husingadi kuchinjwa.
VaTsvangirai, avo vaimbova mutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa ne Zanu-PF, vanoti hapana chakashata nekuchinja hutungamiri, asi vachiti izvi zvinofanirwa kuitwa pachishandiswa nzira yakaita kuti vatungamiri ava vave pazvigaro zvavari pari zvino, kana kuti kuenda kukongiresi, vanhu vosarudza mutungamiri wavanoda.