WASHINGTON —
Hurumende inonzi iri kuda kuti vanhu vanopfuura zviuru zvina vachaputsirwa dzimba kuChitungwiza, Seke ne Nyatsime vachaendeswe kune mamwe mapurazi ari kuNyatsime.
Gurukota rinoona nezvematunhu VaIgnatious Chombo vakaita musangano nevagari vemuChitungwiza nemusi weChina pahotera yemudhorobha iri inonzi Hotel Mubayiwa yaimbozivikanwa nekuti Hotel Nyamutamba.
Pamusangano uyu pakauyawo gurukota rezvezviwanikwa VaSaviour Kasukuwere, uye gurukota rezvemabhizimisi madiki Amai Stembiso Nyoni.
VaChombo vakashorawo zvakanyanya masangano akazvimirira vachiti ndiwo ari kupezvedzera vanhu kutyora mutemo nekumhanyirira kumatare. Vakatiwo vanhu vanenge vaputsa dzimba voga vachapihwa nzvimbo dzekugara kumapurazi ari kuNyatsime.
Asi mapurazi aya anonzi haana kugadzirwa migwagwa nezvimwe zvinodiwa.VaChombo vakapa vanhu ava mavhiki matatu chete ekuti vaputse dzimba dzavanoti dzakavakwa pasina kukodzera.
Dzimwe dzimba idzi dzinonzi dzakavakwa panzvimbo yemakuva, dzimwe dzinonzi dzakavakwa panoda kuiswa zvikoro.
Meya weChitungwiza VaPhillip Mutoti vanoti vakangoita zvekunzwawo pamusangano kuti dzimba dzichatanga kuputswa uye vatenda kuti mapurasi matsva haana kunge agadziriswa kuti vanhu vagare
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaJeremiah Bamu vanoti pasi pebumbiro remitemo hurumende haifanire kuputsa dzimba dzevanhu.