Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoita Musangano Wakakosha neChipiri muHarare


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti iri kuita musangano wenhengo dzose dze National Executive Council ne National Council neChipiri muHarare.

Musangano uyu uri kutarisirwa kubuda nezvisungo pavamwe vakuru vebato iri, vachitungamirwa nemunyori webato, VaTendai Biti, avo vari kunzi vakaita musangano we National Council usiri pamutemo nemusi weMugovera.

Musangano waVaBiti unonzi wakabuda nezvisungo zvinomisa kuva nhengo - nhengo dze Standing Committee dziri kutsigira VaTsvangirai.

Mutauriri weMDC, VaDouglas Mwonzora, avo vari kutsigira VaTsvangirai, vanoti musangano wavo weChipiri, uyo vanoti wakokwa nhengo dzose, wakakosha zvikuru.

VaBiti vanoti havakwanise kutaura, vakati titaure naVaJacob Mafume, avo vari kutaura vakamirira chikwata chiri kuda kuti VaTsvangirai vasiye matomu. VaMafume vanoti musangano weChipiri uyu hauna nematuro ose uye ivo nevamwe vavo havasi kunoupinda.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vari gweta, VaDewa Mavhinga, vanoti zviri kuitika muMDC zvinodzosera kumashure hutongo hwejekerere muZimbabwe.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG