Accessibility links

Breaking News

Fodya Yatengeswa Younza Mari Shoma Pane yeGore Rapera


Fodya iri kutengeswa kumisika yefodya inonzi yaunza mari inosvika mamiriyoni mazana matatu emadhora mwaka uno zvichienzaniswa nemamiririyoni mazana maviri nemakumi masere nemapfumbamwe emadhora panguva imwe cheteyo gore rapera.

Fodya iri kutengeswa kumisika inoti Tobacco Sales floor, Boka Tobacco Floors nePremier Tobacco Sales.

Varimi vefodya vakatanga vachigunun’una kuti mutengo waitengwa fodya yavo pamisika yefodya yemadhora maviri pakirogiramu yainge yakaderera zvikuru.

Asi iko zvino mutengo uyu wati kwirirei kusvika pamadhora maviri nemasendi makumi masere nemanomwe pakirogiramu.

Asi vainge vakanyorerana zvibvumirano nemakambani kana kuti contract farmers vari kupihwa mari inopfuura madhora matatu nemasendi makumi matatu nematanhatu pakirogiramu.

Mukuru weTobacco Industry Marketing Board, VaAndrew Matibiri, vanoti huwandu hwefodya yatengeswa kusvika pari zvino hwakawanda kudarika gore rapera.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG