WASHINGTON —
Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vambochengetedzwa neChipiri nemapurisa vachibvunzurudzwa kurova kwavanonzi vakaita imwe nhengo yebato ravo.
Zvinonzi VaMwonzora vakarova mumwe mutsigiri wemunyori mukuru webato iri, adzingwa mubato iri, VaTendai Biti neMugovera.
VaMwonzora vari kutsigira mutungamiri webato, VaMorgan Tsvangirai. Asi Gweta raVaMwonzora, VaDumisani Charles Kufaruwenga, vanoti VaMwonzora havananei nenyaya iy sezvo vainge vari kuMasvingo neMugovera kumusangano weMDC-T pavanonzi vakarova nhengo yebato ravo.
Nyaya yekunetsana nekukandirana makobvu nematete inonzi yavewo kamoto kambeveve mubato iri, iro rakasiya nepadiki rabvisa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, musarudzo dzakaitwa muna 2008.
Matunhu anonzi ane kunetsana kwakanyanya iManicaland, Masvingo neMashonaland West. KwaMutare kune vamwe vanonzi vasungwa nemapurisa mushure mekurwira midziyo yebato.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachikokera mabasa musangano re Zimbabwe Alliance, VaBrigs Bomba, vanoti semaonero avo, zviri kuitika muMDC-T munongedzo wekuti zvinhu munyaya dzezvematongwero enyika zvave kuchinja uye kunenge kuchisina kuti Zanu-PF neMDC-T chete ndiwo anenge ari mapato makuru anenge achikweshana.